Matthew 21

Jesu Anogamuchirwa muJerusarema

1Vakati voswedera kuJerusarema uye vasvika muBhetifage pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri, 2achiti kwavari, “Endai kumusha wamakatarisana nawo uye imomo muchaona mbongoro yakasungirirwa pamwe chete nomwana wayo. Mudzisunungure muuye nadzo kwandiri. 3Kana pano munhu anotaura chinhu kwamuri, mumuudze kuti, Ishe anodzida uye achadzidzosa nokukurumidza.”

4Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa kubudikidza nomuprofita achiti:

5“Muti kuMwanasikana weZioni,
‘Tarira, Mambo wako anouya kwauri,
ari munyoro, akatasva mbongoro,
ari pamusoro pomwana wembongoro.’ ”
6Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga varayirwa naJesu. 7Vakauya nembongoro nomwana wayo, vakaisa nguo dzavo pamusoro padzo, uye Jesu akagara pamusoro padzo. 8Vanhu vazhinji vakawarira nguo dzavo mumugwagwa, vamwewo vakatema mapazi emiti vakaawarira mumugwagwa. 9Vazhinji vakanga vakatungamira mberi navaya vakanga vachitevera vakadanidzira vachiti:

“Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!”

“Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe!”

“Hosana kumusoro-soro!”
10Jesu akati apinda muJerusarema, guta rose rakazungunuswa, vakabvunza vachiti, “Ndianiko uyu?”

11Vazhinji vakati, “Uyu ndiye Jesu, muprofita anobva kuNazareta kuGarirea.”

Jesu paTemberi

12Jesu akapinda munzvimbo yetemberi akadzinga vose vaitenga nokutengesa. Akapidigura tafura dzavaitsinhanha mari nezvigaro zvavaitengesa njiva. 13Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ”

14Mapofu navakaremara vakauya kwaari kutemberi, uye akavaporesa. 15Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro pavakaona zvinhu zvinoshamisa zvaakaita, uye vana vachidanidzira mutemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi,” vakatsamwa.

16Vakamubvunza vachiti, “Uri kunzwa zviri kurehwa navana ava here?”

Jesu akavapindura achiti, “Hongu, hamuna kurava here panoti:

“ ‘Pamiromo yavana navacheche
makaisa rumbidzo’?”
17Uye akavasiya akabuda muguta umu akaenda kuBhetani kwaakandovata.

Muonde Unosvava

18Mangwanani-ngwanani, paakanga ari munzira achidzokera kuguta, akanzwa nzara. 19Akati aona muonde pedyo nomugwagwa, akatsaukira pauri asi haana kuwana chinhu pauri kunze kwamashizha. Ipapo akati kwauri, “Ngakurege kuva nemicherozve pauri!” Pakarepo muti uya wakabva wasvava.

20Vadzidzi vakati vazviona, vakakatyamara, vakati, “Ko, muonde uyu wabva wasvava pakarepo sei?”

21Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti kana mune kutenda uye musingakahadziki, hamungaiti zvaitwa kumuonde uyu chete, asi munogonawo kuti kugomo iri, ‘Enda undozvikanda mugungwa’ uye zvichaitika. 22Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera.”

Vanobvunza Kunobva Simba raJesu

23Jesu akapinda muruvazhe rwetemberi, uye paakanga achidzidzisa, vaprista vakuru navakuru vavanhu vakauya kwaari. Vakamubvunza vakati, “Muri kuita zvinhu izvi nesimba ripi? Uye ndiani akakupai simba irori?”

24Jesu akapindura akati, “Nemiwo ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Kana mukandipindura ndichakuudzaiwo simba randiri kuita naro zvinhu izvi. 25Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabvepi? Rwakabva kudenga here kana kuvanhu?”

Vakataurirana pakati pavo vachiti, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga’ achazobvunza kuti, ‘Zvino makaregerei kumutenda?’
26Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ tinotya vanhu, nokuti vose vanotenda kuti Johani aiva muprofita.”

27Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.”

Ipapo iye akati, “Neni handingakuudzeiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.”

Mufananidzo waVanakomana Vaviri

28“Munofungei nazvo? Paiva nomurume aiva navanakomana vaviri. Akaenda kuno wokutanga akati, ‘Mwanangu, enda nhasi unoshanda mumunda wemizambiringa.’

29“Akapindura achiti, ‘Handidi,’ asi pashure akazvidemba uye akazoenda hake.

30“Ipapo baba vaya vakaenda kuno mumwe mwanakomana vakasvikomuudza zvimwe chetezvo. Iye akapindura achiti, ‘Ndichaenda, baba’ asi haana kuenda.

31“Ndoupiko pavaviri ava akaita zvaidiwa nababa vake?”

Vakapindura vachiti, “Wokutanga.”

Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, vateresi nezvifeve vari kukutangirai kupinda muumambo hwaMwari.
32Nokuti Johani akauya kwamuri kuti azokuratidzai nzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvifeve vakatenda. Uye kunyange mushure mokunge maona izvi hamuna kutendeuka mukamutenda.

Mufananidzo waVarimi

33“Inzwai mumwe mufananidzo. Kwakanga kuno mumwe murume akanga arima munda wake wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akacherera chisviniro chewaini uye akavaka shongwe. Ipapo akasiya munda womuzambiringa kuvarimi vaimupa mari ndokuenda parwendo rurefu. 34Nguva yokukohwa yakati yasvika, akatuma varanda vake kuvarimi vaya kuti vandotora zvibereko zvake.

35“Varimi vakabata varanda vaya, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, uye vakataka wechitatu namabwe. 36Ipapo akatumazve vamwe varanda kwavari, vakawanda kupfuura vokutanga, varimi vakavaitira zvimwe chetezvo. 37Pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari. Akati, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’

38“Asi varimi pavakaona mwanakomana vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai timuuraye, tigotora nhaka yake.’ 39Saka vakamutora vakamubudisa kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya.

40“Naizvozvo, panouya muridzi womunda womuzambiringa achaiteiko kuvarimi avo?”

41Vakapindura vakati, “Achaparadza varimi vakaipa ava, uye achapa munda womuzambiringa kuna vamwe varimi avo vachazomupa mugove wake wezvirimwa pakukohwa.”

42Jesu akati kwavari, “Hamuna kutomborava here muMagwaro panoti:

“ ‘Ibwe rakarambwa navavaki
ndiro rakazova musoro wekona.
Ishe aita izvi,
uye zvinoshamisa pamberi pedu’?
43“Naizvozvo ndinokuudzai kuti umambo hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri huchipiwa kuvanhu vachabereka zvibereko zvahwo. 44Uyo anowira pamusoro pebwe iri achavhunika kuita zvidimbu zvidimbu asi uyo warichawira achapwanyiwa.”

45Vaprista vakuru navaFarisi pavakanzwa mifananidzo yaJesu, vakaziva kuti aitaura nezvavo. 46Vakatsvaka nzira yokuti vamusunge nayo, asi vakatya vanhu vazhinji nokuti vakanga vachiti muprofita.

Copyright information for SnaBDSC